10 Mar 2016

Gudo natsuro

 

Makare kare pasi pachakarahwa nenyundo, mamokomo nemiti zvichafamba nokumhanya, gudo nemuzukuro wake, tsuro vaiwirirana zvokuti. Zvainge mapatya.
Rimwe zuva gudo rakafumo bata jongwe muromo rakananga kumunda karo kunotema miti nokukuhuna makwenzi. Dzava nguva dzorudziyakamwe nzara yakatanga kuri n’en’ena n’en’ena. Tsuro yakasvikapo ineguchu romukaka pamafudzi ayo. Ikati, “Kwaziwai sekuru!” Gudo rikati, “Kwaziwa muzukuru. Ko chii chawatakura nhai muzukuru wangu?” Tsuro ikati, “Ndakatakura mukaka.” Sekuru gudo ndokuti, “Mukaka, mukaka wakakakei? Unodyiwa? Tsuro ikati, “Unonaka zvikuru.” Ndokupa gudo mukaka wenzwisa. Rikanzwa maiwee, chidokohori mushonga wemavende ndokuti, “Ndipamhidzirezve mumwe.” Tsuro ikaramba kuwedzera ichiti idakunanzva gapu rechembere rinodyiwa wakasungwa mbiradzakondo.

Zvino gudo rakafunga zano rokunyengera tsuro, nokuti rainge raudzwa nzira yayakanga ichienda nayo kwatezvara vake. Rikati, “Kana wabva pano, uchavona vamwe sekuru vako vanotema miti paseri pegomo.” Tsuro yakati yabva, rakamhanyira mberi neimwe nzira fupi kundofanokuhuna. Tsuro ichisvikapo yakafunga kuti nderimwe gudo. Gudo rikati zve, “Kwaziwa muzukuru ! Wakasengei nhai muzukuru wangu?” Tsuro ikati, “Ndakatakura mukaka wangu.” Gudo rikati zve, “Mukaka, mukaka wakakakei? Unodyiwa?” Tsuro ikati, “Unonaka zvikuru.” Ndokupa gudo mukaka wenzvisa, ndokuimba mananga kutapira rikati, “Ndipamhidzirezve mumwe.” Tsuro ikaramba kuwedzera ichiti idakunanzva gapu rechembere rinodyiwa wakasungwa mbiradzakondo.

gudoGudo rakapamha kudaro kusvikira mukaka wapera. Tsuro ikatanga kufunga kuti ndinonyengerwa; ikaisa mukaka pamahobi egudo richinwa. Zvino richienda mberi kundofana kugarira mberi, tsuro yakasvikapo. Ikati, “Kwaziwai sekuru!” Riya gudo rikati, “Kwaziwa muzukuru! Wakatakurei?” Tsuro ikati, “Ndakatakura mukaka wangu.” Gudo rikati, “Mukaka, mukaka wakakakei? Unodyiwa?” Tsuro ikati, “Ko ichi chii chiri pamahobi enyu vasekuru?”

Gudo rakaona kuti rabatwa ndokuseka zvaro richienda. Tsuro ikafa neshungu ikati, “Mangwana ndinhasi, tichaona kunowira tsimbo nedohwe.” Ndipo paperera sarungano.