10 Mar 2016
Shezhu nenyuchi
Kare-kare pasi pachakarohwa nenyundo, mazizi achinenyanga,
munyika yaMusikashiri, zitateguru reshiri maiva neshiri yainzi
shezhu yaiva hombarume yemandiriri. Shezhu uyu nditateguru
weshezhu dzatinoziva tose dzinodanidzira vanhu nyuchi, uye
zvimwe zinenge nyoka nemhuka, kana vachivhima. Vamwe vanhu
vanoti tsenzi.
Rimwe zuva shezhu yakamuka mashambanzou ichinovhima,
ndokuuraya nhoro yayo. Yakasiya yamboisosa namashizha.
Yakarova bembera ndokuimba manhanga kutapira ichinodaidza hama
dzayo kuti vaite chionera pamwe chuma chomuzukura, kuvhiya.
Ichidzokako yakawana riri bishi nemhere mhere, mhuka yovhiyiwa nenyuchi. Ipapo shezhu yakabvunza ichiti, “Wavhiyirei nhoro yangu?” Nyuchi ikapindura ikati, “Ndeyangu!” Zvakaitirana nharo kudzikana zvoda kunzwana masimba. Zvino dzimwe nyuchi dzakati, “Handei kunashe katonge mhosva iyi.” “Handei !” Shezhu yakabvuma. Ndokuita mudungwe zvakanga kudare rashe.
Zichisvika panashe iye wakabvunza, achiti, “Iwe shezhu, unoti mhuka ndeyako, waifura nomutowo upi?” Shezhu ikati, “Ndaiti, shezhu! kushezhura makanda.” Ishe akati kunyuchi, “Ko iwe, waifura nomutowo upi?” Nyuchi ikati, “Ndaiti, pfure ! kupfurira mwoyo.” Ishe akambiti n’inin’ini nemachinda ake ndokuzoti, “Mhuka ndeyanyuchi. Nokuti iwe, shezhu, wangoshezhura makanda kwoga, asi nyuchi wakati pfure, kupfurira mwoyo.”
Kubva zuva irero ukama hwazvo hwakava hweguyo nehuyo, zvovengana semare. Saka nhasi shezhu kana ikaona nyuchi inodanidzira, ichiti, “Chere-chere-chere! Muvengi wangu wakanditorera mhuka yangu. Huyai mumore uchi.” Nyuchi yakapamba chomupfumi nokureba. Ndipo paperera sarungano.